WASHINGTON —
NeChina vashandi vemuZimbabwe vabatana nevamwe vashandi vepasi rose mukucherechedza zuva revashandi kana kuti May Day, iro rinozivikanwa zvakare nerekuti International Workers Days.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, range riri kuGwanzura ukuwo sanga no reZimbabwe Federation of Trade Unions, range riri kuKariba.
Sangano recConcerned Affiliates of the ZCTU range riri kuHarare Gardens uko rarambidzwa kuita hurongwa hwaro nemapurisa.
Pasi rose vanhu vafora mumaguta makuru akaita seWashington DC mu America, Jakarta kuIndonesia, Moscow kuRussia, Berlin kuGermany nemamwe. Vashandi vose ava vange vachitaura nezwi rimwe chete vachiti hurumende dzinofanira kuchengetedza kodzero dzevashandi.
Asi masangano evashandi anoti chirongwa ichi hachisi kushanda uye havachitambire sezvo chisina pundutso. Hurumende iri kushaya mari yekumutsiridza makambani sezvo mabhanga akaita seWorld Bank ne International Monetary Fund, IMF, ari kuti haasi kuzokweretesa mari Zimbabwe nekuti nyika iyi haisi kubhadhara zvikwereti.