Fodya Yatengeswa Younza Mari Shoma Pane yeGore Rapera
Blessing Zulu
WASHINGTON —
Fodya iri kutengeswa kumisika yefodya inonzi yaunza mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora mwaka uno zvichienzaniswa nemamiririyoni mazana maviri nemakumi masere nemapfumbamwe emadhora panguva imwe cheteyo gore rapera.
Asi iko zvino mutengo uyu wati kwirirei kusvika pamadhora maviri nemasendi makumi masere nemanomwe pakirogiramu.
Asi vainge vakanyorerana zvibvumirano nemakambani kana kuti contract farmers vari kupihwa mari inopfuura madhora matatu nemasendi makumi matatu nematanhatu pakirogiramu.
Mukuru weTobacco Industry Marketing Board, VaAndrew Matibiri, vanoti huwandu hwefodya yatengeswa kusvika pari zvino hwakawanda kudarika gore rapera.