ZITF Yotanga Kuratidzira Zvinhu muHurongwa Huchavhurwa naVaMugabe

  • Blessing Zulu

zitf

Nyika dzakawanda dzinonzi dzine makambani akawanda ari kuratidza zvigadzirwa zvawo gore rino kumusika weZimbabwe International Trade Fair, ZITF, kuBulawayo.

Hurongwa hwekuratidzira zvinhu hweZITF hwatanga neChipiri.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vari kutarisirwa kuvhura musika uyu zviri pamutemo neChishanu.

Mutungamuiri wenyika yeCongo-Brazaville, VaDennes Sassou Nguesso, ndivo vambenge vakatarisirwa kuti vavhure musika uyu zviri pamutemo.

Asi zvinonzi vakazokundikana kuenda kuZITF. Gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, vanoti semaziviro avo, mudzimai waVaSassou-Nguesso ainge asiri kunzwa zvakanaka.

South Africa ine makambani makumi mana nemanomwe ari kuratidzira kuZITF gore rino.

Dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kuratidzira dzinosanganisira Botswana, Mozambique, Zambia, Malawi, Namibia, neKenya.

Panyika dzekunze vakuru veZITF vanoti pane makambani ekuAmerica, China, Iran, Indonesia neBrazil.

VaBimha vasimuka muHarare neChipiri vakananga kuBulawayo mushure memusangano wedare remakurukota.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMike Bimha