WASHINGTON —
Mumakore maviri apfuura mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevaive gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vakafamba munzvimbo dzakawanda vaine mifananidzo yemacheki emari dzavaiti dzainge dzapihwa vanhu nemakambani anoshanda munharaunda dzavo.
Homwe idzi dzakaparurwa nehurumende munzvimbo makumi mashanu nemapfumbamwe dzinosanganisira Marange, Mhondoro-Ngezi, Unki kuBindura, Tongogara kuShurugwi, Bubi, Umguza, Hwange, nedzimwe.
Kunyange vamwe vari kuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka, pave kubuda mashoko ekuti mamwe makambani anoti hapana zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi kunyange hurumende yairova bembera ichiti pane zvibvumirano.
Kunzvimbo dzisina kana kuwana mari yainge yavimbiswa dzinosanganisa, Lupane yaida kupihwa mari neChina Africa Sun inosvika miriyoni imwe chete yemadhora, homwe yehwange yaida kupihwa mari kuHwange Colliery, Makomo Resources neMugodhi weChibondo. KuBubi, mugodhi weDuration Gold Mine wainge wavimbisa miriyoni imwe chete asi hapana chakabuda.
KuMasvingo, Bikita Minerals neMarowa Diamonds dzainge dzati dzichapa homwe yedunhu mari asi hapana chakabuda. Asi vakapihwa vanosanganisira Umguza yakapihwa miriyoni imwe chete yemadhora nePretoria Portland Cement.
Unki Mine kuShurugwi yakapa nharaunda mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora, kotiwo Zimplants yakapa Mashonaland West kuChegutu mari inosvika mamiriyoni mashanu kuZvishavane Mimosa yakapa nharaunda iyi mari inosvika mamiriyoni matatu.
Vamwe vari kuchema chemawo kuti mari dzacho dzavakapihwa nemakambani dziri kutorwa nevanhu vari kutungamira zvirongwa izvi.
Asi kutongogara kuShurugwi Ishe Lameck Toendepi Banga veko vanoti vakwanisa kuvaka chikoro nekugadzira mugwagwa.
Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaTongai Matutu veMDC-T vanoti hurumende yakundikana kuita chirongwa ichi.
Nhengo yeparamende inomiririra Zanu-PF kuBindura South VaRemigious Matangira vanoti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka munhauraunda yavo.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTongai Matutu naVaRemigious Matangira