Biti: Sarudzo Dzakachena Dzinochenesa Chimiro cheNyika

  • Thomas Chiripasi

VaTendai Biti

Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena uye, murunyararo kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire. VaBiti vataura mashoko aya pamusangano we Confederation of Zimbabwe Industries, CZI, wanga uchitarisa mamiriro akaita hupfumi hwenyika.

Vachitaura pamusangano uyu muHarare, VaBiti vati Zimbabwe ikaita sarudzo murunyararo, zinoita kuti izodyidzana nedzimwe nyika zvinozoita kuti hupfumi hwenyika hubudirire kubudikidza nevekunze vanezenge vachiwuya kuzosima mari yavo munyika.

Zimbabwe yakatarisirwa kuita sarudzo gore rino muzuva risati ratarwa kana veruzhinji vachinge vapedza kuvhota mureferendamu yebumbiro idzva remitemo yenyika rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende.

VaBiti vati vane tarisiro yekuti hupfumi hwenyika huchange hwakura nezvikamu gumi kubva muzana panosvika gore ra 2020 kubudikidza nekurima pamwe nekucherwa kwezvicherwa. Asi vati havasi kufara nekusafambiswa zvakanaka kwemabasa ane chekuita nehupfumi hwenyika.

Kubudikidza nekusakura kuri kuita hupfumi hwenyika, VaBiti vati Zimbabwe haisi kukwanisa kubhadhara zvikwerei zvayo kumasangano anokweretesa mari akaita se International Monetary Fund, kana kuti IMF, pamwe chete nebhanga reWorld Bank. Vati chikwereti chave neZimbabwe chave kudarika mabhiriyoni gumi emadhora.

VaBiti vati bazi ravo riri pakati pekuumba mutemo uchasungira hurumende kuti iburitse gwaro rinoratidza kuti hupfumi hwenyika huchange hwakamira sei kwemakore mashanu anenge achiwuya.


Musangano uyu warongwa neCZI nechinangwa chekuda kuwona mamiriro akaita hupfumi hwenyika pari zvino uye matanho angatorwe nehurumende kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi