Dynamos and Zimbabwe Warriors midfielder, Devon Chafa. (Photo/Citizen Journalist)
WASHINGTON —
Sangano rinomirira vatambi venhabvu munyika, re Footballers Union Of Zimbabwe, FUZ, rinoti mawoko aro akasungwa ne FIFA panyaya yekubatsira mutambi we Dynamos, Devon Chafa, uyo akamiswa kutamba bhora kwemwedzi mitanhatu ne FIFA.
Munyori mukuru wesangano iri, Va Paul Gundani, vanoti FIFA yakazivisawo kuti masangano ese ane chekuita nesangano iri haabvumidzwe kubatsira Chafa panguva iyo achange asingabvumidzwe kutamba nhabvu.
Asi vamwe vatsigiri ve chikwata cheDynamos vari kukurudzirana kuti vaunganidze mari yekubatsira Chafa. Vanoshandisa dandemutande re Facebook se Dembare.com, vari kukurudzirawo vatsigiri vaChafa kuti vatsvage nzira dzekumubatsira nadzo.