Zvikoro Zvinovhurwa Mune Mamwe Matunhu muAmerica Zvidzidzo Zviri paDandemutande

  • Jonga Kandemiiri

Vadzidzisi nevana vechikoro vose vanofanirwa kunge vaine zvikwanisiro zvakakodzera kuti vadzidze vachishandisa madandemutande.

Zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa hutachiwana hwe coronavirus muAmerica pamwe nekubatwa nechirwere cheCovid-19 kwezvimwe zvizvarwa zvenyika iyi, zvikoro zvakawanda mumatunhu ose zvakakasika kutora matanho ekuvhara kuitira kudzivirira vana vechikoro kubva kuchirwere ichi.

Vamwe vana nevadzidzisi vakazopedza kotoro yetatu vave kudzidza vari kudzimba vachishandisa madandemutande.

Mukupera kwemwedzi wapera waNyamavhuvhu, zvikoro zvakavhurwa zvakare kutanga kotoro yekutanga yegore idzva rezvidzidzo, zvikoro zvizhinji zvichiita zvakare zvidzidzo zvepamadandemutande, kunyange hazvo mune mamwe matunhu vana nevadzidzisi vakanzi vadzokere kuchikoro.

Asi matunhu akawanda, anosanganisira D.C., Maryland, Virginia neWest Virginia, akatovhura kotoro achishandisa madandemutande, kunyange hazvo kuine mamwe matunhu ari kuti vana vadzokere kuzvivakwa zvezvikoro zvavo.

VaMasiya vanoti hurongwa hwekushandisa madandemutande hunoda dzidziso yakasimba inofanirwa kutanga yapiwa kuvarairidzi yakaita sekuziva kushandisa Google Classroom, vasati vasangana nevana vechikoro.

Vanotiwo vadzidzisi nevana vechikoro vose vanofanirwa kunge vaine zvikwanisiro zvakakodzera zvakaita semakombiyuta nemasaisai kuitira kuti vakwanise kudzidza vachishandisa madandemutande.

VaMasiya vanotiwo hurongwa hwekudzidza pachishandiswa madandemutande hunogona kubatsira zvikuru kuZimbabwe, asi hurumende inofanirwa kuisa mari mukuwaniswa kwemasaisai kana kuti hotspots, muzvikoro zvose zvemunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonah Masiya