Hurumende Yotanga Kuputsa Zvimwe Zvivakwa kuRuwa

  • Blessing Zulu
Mapurisa anodzivirira bvongamupopoto neChina akaenderera mberi achipwanya zvivakwa kuRuwa, ZIMRE neDamofalls.

Ichi chinonzi ndicho chikamu chekutanga chekuputsa zvivakwa zvinosanganisira dzimba zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo munyika yose.

Kuputswa kwezvivakwa kuRuwa kwakatanga neChina, bato reMDC-T rikaburitsa gwaro rekushora zviri kuitwa nehurumende.

Gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, avo vakaumba komiti iri kutungamirwa nemutevedzeri wavo, VaJoel Biggie Matiza, kuti iongorore zvivakwa zvavanoti hazvisi pamutemo izvi, vanoti hapana kudzokera shure pachirongwa ichi.

VaChombo vanoti kungovaka dzimba pose pose kunokonzera zvirwere munyika.

Makanzura uye vamwe vagari vekuChitungwiza neRuwa vanoti bato reZanu-PF ndiro rakarega nhengo dzaro dzaida kutsvaga rutsigiro musarudzo dzichipa vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba pasina kukodzera. Vatsigiri veZanu-PF ava vakaratidzira kuChitungwiza vachinyunyuta nechirongwa ichi.

Vakawanda vanoti chirongwa chekuputsa dzimba ichi chinovafungisa chirongwa cheOperation Murambatsvina chakaitika muna 2005 apo vanhu vanopfuura zviuru mazana manomwe vakaputsirwa dzimba dzavo.

Asi kuputswa kwedzimba uku kwakashorwa zvakanyanya nesangano reunited nations.

Sachigaro weRuwa Town Council, VaPheneas Mushayavanhu, vanoti sekanzuru, havanei nezviri kuitwa izvi sezvo riri basa rehurumende.

Mapurisa ekanzuru yeHarare anonziwo ange achisunga nekutorera vanhu zvinhu zvavange vachitengesa muguta. Zvinonzi yange ingori yakiti nagonzo mudhorobha reHarare mapurisa ekanzuru achidzingirira vanhu.

Studio7 yatadza kubata meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, kuti tinzwe pamire kanzuru yavo.

Zvichakadaro, sangano remagweta, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rinoti ranyorera tsamba VaChombo richivapa mazuva matatu ekuti vatsanangure nezvechirongwa chavo chekuda kuputsira vanhu dzimba ichi.

Mutsamba yanyorwa kuna VaChombo neChina, ZLHR inoti bumbiro idzva remitemo yenyika haritenderi hurumende kungoputsa dzimba pasina tsamba kubva kumatare.

Sangano iri rinoti VaChombo vakasaita izvi richavaendesa kumatare.

Hatina kukwanisa kubata VaChombo kana VaMatiza kuti tinzwe divi ravo.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vanoti vachaendesa VaChombo kudare kana vakasavapa mhinduro inogutsa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPheneas Mushayabasa


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda