HARARE —
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va John Landa Nkomo, vashaya muHarare neChina mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chegomarara.
Vachizivisa nyika zvaitika, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaudza vatori venhau pa State House kuti VaNkomo vashaya mangwanani eChina.
Munin’ina wemufi, Va Samuel Sipepa Nkomo, vanove gurukota rinowona nezvemvura uye vari ivo vari kutaura vakamirira mhuri yemufi vaudza Studio 7 kuti varwadziwa zvikuru nekushaya kwemukoma wavo.
VaNkomo, avo vange vave nemakore makumi manonwe nemasere ekuberekwa, vanonzi vakarwara kwenguva refu vakambonorapwa ku South Africa uye vakazodzoka munyika ndokuenderera mberi nekurapwa kusvika vazofa neChina.
VaNkomo ndivo mutevedzeri wemutungamiri wenyika wechina kufa vari pachigaro zvichitevera kufa kwakaita Va Joshua Nkomo muna 1999, Va Simon Muzenda muna 2003 pamwe naVa Joseph Msika muna 2009.
Va Sipepa nkomo vati vehukama vakatarisirwa kubva kumativi mana enyika vakananga ku harare kuti vasangane mangwana manheru nechinangwa chekuwona kuti hurongwa hwekuradzikwa kwavo huchafambiswa sei.
Va john Nkomo vakaberekwa musi 22 Nyamavhuvhu muna 1934 vakave nhengo ye African National Congress kubva muna 1958 kusvika muna 1959 ndokuzova nhengo ye National Democratic Party muna 1960 vasati vave nhengo ye Zapu muna 1961.
Vakazove nhengo ye African National Council pavakasarudzwa kuve mutevedzeri wemunyori webato iri muna 1971. Muna 1977 vakapinda musangano we Geneva Conference vari muchikwata chaitungamirwa namushakabvu Va Joshua Nkomo vakazokuvara muna 1977 pakaputika bhambu mu Zambia rakawuraya Va Jason Ziyapapa Moyo.