Shorama YekuNigera VaAliko Dangote VoRonga Kuvamba Mabhizimisi Munyika

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nigerian billionaire businessman, Aliko Dangote.

Hurumende inoti shoroma yekuNigeria VaAliko Dangote, avo vanonzi ndivo vakapfumisisa muAfrica yose, varikuronga kuvamba mabhizimisi munyika munyaya dzekuchera marasha, kugaya magetsi nesimende.

VaDangote vange vachiita misangano nevakuru vehurumende vachitungamirwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaDangote parizvino vari kushanda munyika dzakadayi se Zambia umo vari kugadzira simende pasi pemabhizimisi avakatanga vachishandisa mari inosvika

Sachigaro weZimbabwe Investment Authority VaNigel Chanakira vanoti vanotambira nemufaro kuuya munyika kwaVaDangote sezvo kuchabatsira kukwezva dzimwe shoroma dzingange dzirikuda kushanda neZimbabwe munyaya dzemabhizinesi.

VaChanakira vanoti sangano ravo rakatomirira kunzwa kuti VaDangote vanoda kutanga kushanda nenyika riyinhi uye vane chivimbo chekuti kana izvi zvaitika mabhizinesi achatangwa navo achabatsira kuderedza mitengo yezvinhu zvizhinji munyika zvakadayi sesimende. VaDangote vanoti vanodawo kuvamba mahotera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Nigel Chanakira