Hutungamiri hwemasangano evarairidzi anoti Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, neZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, huri kushanya kumatunhu eChimanimani neChipinge huchiongorora kuparadzwa kwakaitwa zvikoro neCyclone Idai, pamwe nekunzwa matambudziko akatarisana nevarairidzi nevana vechikoro.
Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti chikuru chavari kunyanyotarisisa ndechekuti zvinokodzera here zvikoro zvivhurwe mwedzi unouya, sezviri kurongwa nehurumende, kana kuti zvononoka kuvhurwa kuitira kuti zvitange zvagadziriswa.
Asi VaMajongwe vanoti zvavaona muzvikoro zvisere zvavakwanisa kushanyira nhasi zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvarairidzi nevana vechikoro vese, sezvo vakasangana nematambudziko anonetsa kukanganwa nekukasika.
VaMajongwe vaudza Studio 7 kuti zvavari kuwana mumazuva matatu avachange vari mudunhu iri vachazozviendesa kubazi redzidzo kuti zviongororwe nekugadziriswa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe
Zvichakadaro, mukuru wesangano reZimta mudunhu reManicaland, VaKudakwashe Edius Mbaura, vanotiwo varairidzi havana kugadzikana nekuda kwekurasikirwa nevana vavaidzidzisa.
Vanotiwo chimwe chiri kuitika ndechekuti varairidzi vari kukundikana kuwana rubatsiro rwechikafu rwuri kupiwa vanhu vachinzi havana mabhuku avagere.
VaMbaura vanotiwo dai zvaibvira varairidzi vapiwa rubatsiro rwechikafu pavo voga, kwete kuti vatsikirane nevabereki pamwe nevana vavanodzidzisa, sezvo izvi zvichidzikisa chiremerera chavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKudakwashe Edius Mbaura