Vamwe Vagari veKuChimanimani Vonyunyuta neMafambisirwo Avanoti Ari Kuitwa Rubatsiro rweCyclone Idai

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vakavhiringidzwa nedutumupengo Cyclone Idai vakamirira kupiwa rubatsiro kuChimanimani, Manicaland.

Vamwe vagari vekwaMutsvangwa, kudunhu reChimanimani, kuManicaland, vanoti havasi kunzwisisa mafambisirwo ari kuitwa rubatsiro rwuri kupiwa vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.

Kanzura we Wadhi 23, VaJoel Dhumakwezu, vanoti svondo rino mabhuku matatu chete kubva mumabhuku masere ari mu wadhi mavo ndiwo akashevedzwa kunotora chikafu chaigoverwa paDzingire.

VaDhumakwezu vanoti ivo sakanzura havana kana kumboziviswa nezvekugoverwa kwechikafu uku, uye vanoti vari kugovera chikafu ava vari kushanda nemunhu akakundwa kusarudzo dzemakanzuru, panzvimbo yekushanda naivo vakahwinha.

Vanotiwo havaoni vagari vemudunhu ravo vachibvuma kuzobviswa vachinogariswa kumwe zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa minda nemisha yavo neCyclone Idai.

VaDhumakwezu vanoti mararamiro avo vagari vari kushandisa mvura yesango mukudiridzira minda nemapindu avo, izvo zviri kuita kuti vakwanise kuendesa vana kuchikoro nekurarama zuva nezuva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoel Dhumakwezu