Zimbabwe Cricket Yogadza Vamwe Varairidzi Vatsva

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe ichitamba neSri Lanka

Zimbabwe Cricket yadoma zvakare VaMarvan Atapattu avo vaimbove murairidzi wechikwata che Sri Lanka, semumwe wevarairidzi vatsva.

Sangano reCricket Zimbabwe radoma mumwe mutambi aimbotambira chikwata chekiriketi muSouth Africa, VaMakhaya Ntini, semumwe wevarairidzi vechikwata ichi.

VaNtini vachange vari bowling coach uye vachatanga basa muna Kukadzi.

Zimbabwe Cricket yadoma zvakare VaMarvan Atapattu avo vaimbove murairidzi wechikwata che Sri Lanka, semumwe wevarairidzi vatsva.

VaAtapattu uye kutarisirwa kubatsira chikwata ichi mugadziriro yacho yemakwikwi makuru nechikwata che Bangadesh neChishanu svondo rino.

Zimbabwe ichatamba neBangladesh munyika iyi, mushure mekukundwa ne Afghanistan mune mimwe mitambo ichangobva kutambwa.

"Kunyangwe hazvo kugadzva kwevatungamiri vaviri ava kungangobastira kusimbaradza matambiro echikwata ichi zvinonyanya kudiwa kusimbaradza zvikwata zvevatambi vechidiki ye development cricket, kuitira kuti mutambo uyu ubudirire munyika," Va Hadebe vaudza Studio7.

Kunyange hazvo chibvumirano chaVa Atapattu chakanyanyonangana nemutambo we Zimbabwe neBangladesh, zvinonzi sangano iri richaongorora chibvumirano ichi panopera mutambo uyu kuti murairidzi uyu arambe achishanda munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Muziwethu Hadebe