Dare rePamusorosoro Rinoti Sarudzo Ngadziitwe Chikunguru Asati Apera

  • Thomas Chiripasi

VaGodfrey Chidyausiku

Dare repamusoro soro re Supreme Court ratura neChishanu mutongo wekuti sarudzo itsva dziitwe musi wa 31 Chikunguru wegore rino usati wadarika.

Vachitura mutongo pachikumbiro chakasvitswa kudare iri nemutungamiri wesangano reCentre for Elections and Democracy in Southern Africa, VaJealous Mawarire, mukuru wevatongi munyika, VaGodfrey Chidyausiku, vati mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanosungirwa kuzivisa zuva richaitwa sarudzo nechimbichimbi uye vati sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa musi 31 Chikunguru usati wadarika.

VaMawarire vakaenda kudare vachiti sarudzo dzinofanira kuitwa musi 29 Chikumi usati wadarika asi Va Chidyausiku vati nepamusana pezvinodiwa kuitwa pamutemo kuti sarudzo idzi dziitwe, hazvichasakise kuti sarudzo idzi dziitwe.

VaChidyausiku vati VaMugabe vakatyora kodzero dzaVa Mawarire nekutadza kuchengetedza mutemo wenyika nekuzivisa zuva resarudzo paine nguva sezvo dare ratura zvakare kuti hupenyu hwedare reparamende hunopera musi wa 29 Chikumi.

Va Mawarire, avo vanga vari mudare, vaudza Studio7 kuti vafara zvikuru nemutongo wapihwa nedare.

Gweta raVaMugabe, VaTerence Hussein, vati vanotambira mutongo waturwa nedare.

Mutongo uyu wabuda vatongi vedare iri vanomwe vachibvumirana uye vaviri vanoti mutevedzeri wemukuru wevatongi munyika, VaLuke Malaba naVaBharat Patel, vachipikisana nevamwe vavo.

Zvaturwa nedare repamusorosoro zvinopesana nemashoko eMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, iyo inoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa kana misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika yazadziswa.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati zvisinei nemutongo uyu, bato ravo riri kuda misariridzwa yemuchibvumirano chezvematongerwo enyika che Global Political Agreement izadziswe, sarudzo dzisati dzaitwa vachiti izvi hazvitore nguva kuti zviitwe.

Mutongo uyu wauya apo sangano reSADC rakatarisirwa kuita musangano muguta guru re Mozambique Maputo musi wa 9 C hikumi wakatarisirwa kuzeya nyaya yemisariridzwa iyi pamwe nekuti mari yekuita sarudzo idzi yowanikwa sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi