Kunze kwemari yechibatiso, vana ava vanzi vagare pakero dzavakanyoresa kumapurisa. Vanziwo vasiye magwaro avo ekufambisa kudare iri pamwe nekumhan’ara kumapurisa eLaw and Order paHarare Central kamwe pasvondo.
Vanhu ava vakasungwa pamwe negweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, avo vakabhariswawo mari yechibatiso nemusi weMuvhuro.
Vanhu ava vainge vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare remajisitereti richiti vaigona kutiza nyaya isati yatongwa sezvo mhosva yavari kupomerwa iri hombe.
Asi VaBhunu vati zvikonzero zvakapihwa namajisitireti, Amai Marehwanazvo Gofa, pavakanyima varume ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso, zvainge zvisina kuti tsvikiti ndosaka vaisa mutongo uyu padivi.
Zvichakadai, mumiriri weUNAIDS muZimbabwe, Amai Tatiana Shoumilina, vati Zimbabwe inogona kupedza dambudziko rechirwere cheshuramatongo kana ikashandisa zvakanaka mari dzairi kubatsirwa nadzo pasi pechirongwa cheGlobal Fund pamwe neiyo iri kuunganidzwa nemutero weHIV/AIDS kana kuti AIDS Levy.
Amai Shoumilina vati kupihwa mari yakawanda kuri kuitwa Zimbabwe kunoratidza kuti masangano anobatsira anovimba nemashandisirwo ari kuitwa mari idzi neZimbabwe.
Vave kupindura mubvunzo wekuti sangano ravo ringabatsira sei mukurwisana neHIV/AIDS muzvikoro zvikuru, Amai Shoumilina vati chinodiwa kuti vana vemuzvikoro zvese vapihwe mari nezvese zvavanoda kuitira kuti vasaite zvapabonde kuti vatsvage mari yechikafu nembatya.
Zimbabwe inyika inoyemurwa pasi rose nekuda kwechirongwa che AIDS levy icho chinoshandiswa mukurwisana neHIV/AIDS.