Varimi vedonje vari kurudzira kuti hurumende itsvage nzira dzekushandisa zvese zvinowanikwa mudonje kuitira kuti varimi vawane cheuviri pakurima chirimwa ichi.
Vachitaura pamusangano wemazuva maviri wakarongwa nebazi rinowona nezvekutengeserana pamwe ne European watanga mu Harare neChitatu, varimi vanga vari pamusangano uyu vakurudzira hurumende kuti itsvage nzira dzekumimina zvese zvinowanikwa mudonje zvinozoita kuti varimi vedonje vawane mari yakawanda kubva mukurimwa kwedonje.
Mumwe wevarimi ava ndiVa Shepherd Manonga avo vanorima vari kudunhu re Mashonaland Centra VaManonga vanoti varimi vari kurasikirwa zvikuru nemari nepamusana pekusamiminwa kwezviwanikwa zvese zvinobva mudonje.
VaManonga vati varimi vanogona kuwana mari pachiwanikwa chiri kudaidzwa kuti husk icho chinozoshandiswa mugadzirwa kwebepa rinogadziriswa mari.
Va Manonga vati Zimbabwe inogona kuwana mari yakawanda kana husk iyi ikamiminwa kubva mudonje.
Mukuru anowona nezvekusimudzirwa kwemabizhimusi mubazi rinowona nezvekutengeserana, Va Stanislaus Mangoma, avo vanga vari muenzi anoremekedzwa pakuvhurwa kwaitwa musangano uyu nhasi, vatiwo vanobvumirana nezviri kutaurwa nevarimi izvi.
Va Manonga vati chimwe chiri kudikanwa ndechekuona kuti nyaya dzemitengo yedonje pamwe nezvinoshandiswa nevarimi mukurima donje zvagadziriswa.
Mwaka nemwaka varimi vedonje vanogara vachichema nemutengo wavanotarirwa nehurumende pakutengeswa kwedonje izvo zvinonzi nenyanzvi dzekurima zvava kukonzera kuti varimi vakawanda vasarime donje sezvo pasina chouviri chavanowana mukuririma.
Va Mangoma vati hurumende ichaita zvose zvainokwanisa kubudikidza nekutaurirana nevarimi pamwe nevemasangano ekunze anotenga donje mu Zimbabwe kuti vawone kuti zvose zviri kudiwa kuti zviitwe kuti donje ribuditse mari yakwanda zvaitwa.
Va Mangoma vati kudonha kwemitengo yedonje pamisika yepasi rose ndiko kumwe kuri kukonzera kusamira zvakanaka kwemitengo yedonje mu Zimbabwe zvavati zviri kukonzerawo kudzikira kwehupfumi hwenyika.
Zvichakadai, nyanzvi inowona nezvehupfumi musangano re European Union, Amai Ana Pena, vati EU yakazvipira kubatsira Zimbabwe nemari yekutsvaga nzira dzingaita kuti Zimbabwe ikwanise kutengesa donje pamwe nezvinogadzirwa nedonje kuitira kuti nyika iwane mari yakawanda kubva muchirimwa ichi.
Vanga vakamirira sangano re Common Market for East and Southern Africa kana kuti Comesa, Va Fred Kangongo, vatiwo chave kudikanwa kutsvaga nzira dzingaita kuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika zvinozoita kuti vekunze vakwanise kusima mari mukusimudzirwa kwenyika zvakafanana nekurimwa kwedonje.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzinorimwa donje rakawanda munyika dziri kuchamhembe kwe Africa.
Musangano wemazuva maviri uyu uri kupindwa nevarimi vedonje, vebazi rinowona nezvekutengeserana, vesangano re Common Market for East and Southern Africa nevamwe.
Chinangwa chekutsvaga nzira dzingashandiswa kuti Zimbabwe ikwanise kutengesa zvakasimba zvinogadzirwa nedonje kunze kwenyika kwete kungotengesa donje chete.
Izvi zvinonzi nenyanzvi ndizvo zviri kukonzera kuti munyika mupinde mbatya dzekunze dzakawanda zviri kuita kuti makambani anogadzira mbatya muno asare asina chaanowana sezvo munyika mave kupinda mbatya dzakawanda dzisina kusimba dziri kutengeswa nemutengo wakaderera.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi