Vatungamiri veNyika Votarisirwa Kutara Zuva reReferendamu

  • Blessing Zulu

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara

Vatungamiri venyika vari kutarisirwa kusangana svondo rinouya kuti vazeye nyaya yekuti referendamu yoitwa riinhi sezvo neChina pakawiriranwa pane zvose zvainetsa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nevane ruzivo nezviri kuitika vanoti referendamu inogona kutwa muna Kurume.

Izvi zvinonzi zvakabuda mumusangano wevatungamiri vanoti VaRobert Mugabe Zanu-PF, VaMorgan Tsvangirai MDC-T, VaWelshman Ncube MDC-N, pamwe naVaArthur Mutambara MDC-M.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vanotarisira kuti basa rekunyora chikamu chekutanga bumbiro chinopera neMuvhuro.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira Zanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vanotarisira kuti referendamu ichaitwa muna Kurume kana kuti Kubvumbi.

VaAmai Priscilla Misihairambwi Mushonga veMDC-N, vanoti zvimwe zvinhu zvine chekuita nemutemo zvichaendeswa kudare reparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAmai Priscilla Misihairambwe Mushonga