Komishini yeMadhibheti Inoti Iri Kuwedzera Mitemo yeMadhibheti Anoitwa muAmerica

VaDonald Trump naVaJoe Biden

Komishini inoronga madhibheti pakati peavo vanokwikwidza kuve mutungamiri weAmerica, yeCommission on Presidential Debates (CPD), yazivisa kuti iri kuwezera mitemo inofanirwa kutevedzerwa neavo vanenge vachiita madhibheti.

Izvi zvinotevera mushure medhibheti pakati paVaDonald Trump, ve Republican Party uye vari mutungamiri wenyika, naVaJoe Biden, ve Democtratic Party, risina kufamba zvakanaka nemusi weChipiri manheru mudunhu re Ohio.

Mudhibheti iri, VaTrump vari kunzi vaindira kazhinji panguva iyo VaBiden vakange vachitaura uye vasingateereri kumukokeri wedhibheti iri, Chris Wallace, anoshanda kunhepfenyuro ye Fox News.

Vanhu havana kupihwa mukana wekunzwa zvirongwa zvinoda kuitwa nevakwikwidzi ava kana vakakunda musarudzo sezvo pakange paine kutukana, kushorana nekupindira mumwe achitaura uye pasina kuteerera zvaitaurwa nemukokeri wedhibheti iri.

Mushure medhibheti iri, vanhu vazhinji vakanyora paSocial Media vachishora mafambiro akaita dhibheti iri, vamwe vachiti zviri nani kuti pachiregerwa kuitwa mamwe madhibheti pakati pevaviri ava.

Asi, CPD yabudisa mashoko ekuti zvakaitika mudhubheti niri zvinoratidza pachena kuti pane mitemo inofanirwa kupamidzirwa mukufambiswa kwemadhibheti aya kuitira kuti zvakaitika nemusi weChipiri izvi zvisaitika zvekare.

Muzvinafundo Elliot Masocha vepaDeVry University kuOhio kwekare, vanoti CPD inogona kugadzirisa zvese zvisina kufamba zvakanaka nemusi weChipiri, vachiti zvinokosha kuti vanhu vanzwe pfungwa dzeavo vanoda kuvatungamirira mune ramangwana.

Vanoti CPD ine simba rekuvandudza zvinhu, vachiti kana pakaitwa mamwe madhibheti, vanotarisira kuti achave nani pane zvakaitika nemusi weChipiri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha