Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti ranyorera kugurukota idzva rezvevashandi nemabasa, Amai Priscah Mupfumira richikumbira kuitaa musangano wechimbichimbi pakati pevashandi vehurumende nehurumende kuti vajekeserwe nezvenyaya yemari dzebhonasi.
Danho resangano iri rinotevera kupesana kwemashoko kwarinoti kuri kubva kuhurumende, zvichitevera kusiyana kwemazuva ari kunzi ndiwo achabhadharwa vashandi mari dzavo dzemabhonasi.
Svondo rapera vaive mutevedzeri vegurukota rezvevashandi, VaTongai Muzenda vakabuda vachizivisa kuti hurumende yaizobhadhara vashandi vayo vasati vapiwa mabhonasi mwedzi unouya. VaMuzenda vakabva vadzingwa basa neSvondo nemutungamiri wenyika VaRpbert Mugabe.
Asi bepanhau reChronicle rinoti Amai Mupfumira vakavimbisa kuti vamwe vashandi vachapiwa mari dzavo mwedzi uno, vanenge vasara vopiwa mwedzi unouya.
Asi munyori mukuru wePTUZ VaRaymond Majongwe vanoti hurumende haina zvairi kuita kuti ifambise mashoko aya nenzira kwayo, kunze kwekuzviona mumapepanhau.
Hurumende yakazivisa kuti nekuda kwekushaiwa mari yaizopa vashandi vayo mari dzemabhonasi nezvikamu zvikamu.
Mauto nemapurisa vanonzi vakatopiwa kare mari dzavo muna Mbudzi.
Studio 7 yakundikana kubata Amai Mupfumira kanawo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa kuti tinzwe divi rehurumende.
Asi VaMajongwe vanoti nhengo dzavo dzicharamwa mabasa temu inouya muna 2015 kana nyaya iyi isina kugadziriswa nekukasika.
Hurumende yakazivisa kuti iri kutatarika kuwana mari inoikwanira sezvo iri kuwana mari shoma iri kupinda muhomwe yayo, iyo iri kubva yangoperera kumari dzemihoro yevashandi vayo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe
VaChinamasa vakatozivisa kuti hurumende ichagumura vamwe vashandi basa nekuti haina mari yekuvabhadhara.