Nechinangwa chekuendesa mberi chirongwa che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, Zim-Asset mumaruwa mavagere, vagari vedunhu reChivi kuMasvingo vari kuparurawo neMugovera hurongwa hwavo hwakanangana nekusimudzira dunhu ravo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKiller Zivhu
Sachigaro weChivi Rural District Council, uye vari kanzura we Ward 31, VaKiller Zivhu, vanoti vanenge vakaungana pamusha pavo apo vanenge vachiparura zvirongwa zvakawanda.
Vati zvirongwa izvi zvinosanganisira chibage chakarimwa chichabatsira vane nzara, mombe dzichapiwa kumadzishe kuti vagozorimira nherera nechirikadzi, pamwewo nehove dzavari kupfuya.
VaZivhu vanoti vachatorawo mukana uyu kukurudzira vagari vemunharaunda yavo vari mumaguta kuti vavake kumamisha kwavanobva.