Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Chikafu Pasi Rose
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
WASHINGTON —
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwanira vanhu chikafu chakakwana, kana kuti World Food Day.
Hurongwa hwemuZimbabwe hwaitirwa ku Tshongwe Irrigation Scheme ku Lupane, mudunhu reMatabeleland North.
Izvi zvaitwa nehurumende yakabatana nesangano re World Food Program pasi pedingindira rinoti “Sustainable Food Systems For Food Security and Nutrition”.
Vachitaura vakamirira sangano re World Food Programme, Va Tomson Phiri, vanoti gore rino veruzhinji vakatarisana nedambudziko renzara munzvimbo dzakawanda. VaPhiri vanoti sangano ravo richatanga zvirongwa zvekupa vanhu chikafu munguva pfupi inotevera.