Mudare reparamende reNational Assembly maita nyonga nyonga neChitatu mushure mekunge nhengo dzeMovementfor Democratic Change dzatsutsumwa nemuitiro wemamwe makurukota ehurumende wekusauya kudare kuzopindura mibvunzo mudare neChitatu chega chega sezvakatarwa mumitemo yemashandiro edare iri.
Nemusi weChitatu chega chega mukurukota ehurumende anotarisirwa kupindura mibvunzo kubva kuvamiriri vedare iri asi patanga kugara dare pange paine gurukota rimwe chete, VaJoseph Made, vanoona nezvekurima.
Mamwe makurukota eZanu PF anonzi ange ari kumusangano webato rawo wePolitburo.
Izvi zvaita kuti mumiriri weHarare Central, VaMurisi Zwizwa, zvakare vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvanmgirai, vaudze vange vakabata nzvimbo yamutauririri wedare, Amai Mabel Chinomona, kuti havasi kufara netsika iri kuitwa nemakurukota yekuti vave nemwedzi yakawanda vasingauye kudare kuzopindura mibvunzo.
Vati kunyange hazvo dare rakapa yambiro, makurukota aya haasi kuuya kuzopindura mibvunzo uye zvinoratidza kuti ari kuzvidza dare.
Izvi zvaita kuti mumiriri weKuwadzana East, VaNelson Chamisa, vakumbire dare kuti nguva yemibvunzo imboiswa parutivi kudzamara makaurukota aya auya.
Izvi zvarambwa nenhengo dzeZanu PF izvo zvabva zvakaonzera nyonga nyonga nhengo dzezvikwata zveMDC dzichiimba dzichiti hapana chaizoitwa kudzamara makurukota auuya.
Amai Chinomona vamboedza kudzinga mudare nhengo dzeMDC dzakaita VaSolomon Madzore naMuzvare Thabitha Khumalo asi nhengo dzemapato avo dzaramba dzichiimba kuti hazviite.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera
Pange pachiitika nyonga nyonga yese iyi, vanoona nezvekuchengetedzwa kweparamende pamwe nemapurisa vange vari kushungurudza vatapi vanhau vachirambidza kutora mifananidzo pamwe nekushandisa mbozhanhare dzavo kunzvimbo yavanoshandira yePress Gallery.
Ukuwo Zimbabwe Broadcasting Corporation iyo inoburitsa paterevhizheni nguva yemubvunzo muparamende kana kuti Live Broadcast yabva yamira kuburitsa mvongamupototo iyi pasina tsananguro.
Vanoona nezvekuchengetedzwa kweparamende vati vatapi vanhau havachabvumidzwa kushandisa mbozhanhare dzavo muparamende uye vanofanira kudzidzima kana kusauyanadzo kunyange hazvo pasina mutemo weparamende unotaura kudaro.
Nhengo dzeparamende svondo rapfuura dzakanyunyuta kuti dzaisechwa sembavha izvo zvakazoita kuti mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vaudze vanochengetdza paramende kuti varemekedze nhengo dzedare iri.