Muzvare Muchinguri Voshora Vanobata Vana Chibharo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Gurukota rezvekuyenzaniswa kwemikana pavarume nevanhukadzi, Muzvare Oppah Muchinguri, vashora kubatwa chibaro kuri kuitwa vanasikana munyika.

Muzvare Muchinguri vataura izvi pagungano rekuparura chirongwa chekugadzirisa dambudziko iri, kana kuti Campaign Against Rape And Child Abuse Of Children chaitwa muHarare neChishanu.

Vachitaura pachirongwa ichi, Muzvare Muchinguri vati vana vanosangana nedambudziko rekubhinywa vanozonetsekana muhupenyu hwavo.

Vachitaura pamusangano uyu, mumiriri wemapurisa anoshanda mudivi re Victim Friendly Unit, Assistant Commissioner Isabel Sergio, vatiwo kazhinji kacho vana vanotya kumhang’ara kubhinywa kana kushungurudzwa kwavanenge vaitwa.

Vange vakamirira dare revechidiki, Muzvare Fadzai Muchina, vakurudzira kuti mutongo wevanopara mhosva dzekushungurudza vechidiki uwomeswe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re Child Line, Muzvare Patience Chiyangwa, vanoti huwandu hwevana vanoridza nhare kubva kumadhorobha nekumaruwa vachida rubatsiro hunodarika zviuru makumi matatu pamwedzi kunyange hazvo vamwe vari vana vanoramba vachiridza nhare kakawanda vasati vabatsirwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aMuzvare Oppah Muchinguri


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvare Patience Chiyangwa


Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko a Muzvare Fadzai Muchina


Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aAssistant Commisssioner Isabel Sergio