Chikwata che Caps United neChitatu chakadoma VaMark Harrison semurairidzi wacho mutsva pamugungano rakaitirwa muHarare.
VaHarrison vakanyorerana chibvumirano chemakore matatu neCaps United. Murairidzi mutsva uyu anobva kuBritain uye aimborairidzawo zvikwata zvemuSouth Africa zvinoti Golden Arrows ne Black Leopards.
VaHarrison vachange vachibatsirwa naVaFungai "Totsao" Kwashi naVaBrenna Msiska.
VaHarrison varikutora basa iri kubva kuna VaTauai Mangwiro avo vave kushanda nechikwata cheHarare City.
VaMangwiro vakabatsira chikwata chavo kuti chisvike pachinhanho chechitatu paCastle Lager Premiership Log gore rapera asi vainge vasisadiwe nevatsigiri veCaps United avo vaigaro vapomherea mhosva yekutadza basa.
Vanooona nezvekufambiswa kwemashoko muchikwata cheCaps United muzvare Joyce Kapota vanoti varikutarisira kuti vatsigiri vachabatsira VaHarrison mubasa ravo kuitira kuti chikwata chikwanisewo kutora mukombe wePremier League gore rino.
Your browser doesn’t support HTML5
Interview with Tau Mangwiro