Hama dzaPretty Xaba Dzotsvaga Rubatsiro rweMari Kuitira Kuti Mufi Azovigwa Kumusha

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Pretty Xaba

Mhuri yaPretty Xaba, uyo akashaikira ku kuIndia neMugovera mushure mekurwara nechirwere chegomarara repahuro, inoti iri kumhanyamhanya ichiunganidza mari yekuti mutumbi wake uuyiswe kumusha.

Xaba akashaya muchipatara che LK Super Speciality Hospital muguta reNew Delhi. Asiya vanasikana vaviri, mumwe ari kuDubai, nemumwe ari muZimbabwe.

Hama yemufi, Amai Ruth Xaba, vanoti vanoda mari inodarika zviuru gumi zvemadhora kuitira kuti mutumbi wake udzoswe kumusha.

Amai Xaba vanoti mari yavakange vaunganidza Xaba asati aenda kuIndia yakaperera mukumurapisa uye vave kutotsva mari yekuti mutumbi wake uzovigwa kumusha.

Mumwe akabatsira kuunganidza mari yekuti Xaba aenda kunorapwa kuIndia, Va Taonga Mafundikwa, vanoti rufu rwa Xaba rwasiya buri risingakwanisike kuvharika.

VaMafundikwa vanoti vamwe vaishanda nemufi vari kushushikana pari zvino uye vachayedza kubatsirra mhuri iyi nekuita zvese zvavanogona mukubatsira kutsvaga mari yekuti mumwe wavo azoradzikwa kumusha.

Vamwewo veruzhinji vanoti hurumende inofanirwa kuita zvese zvainokwanisa kuita kuitira kuti zvirwere zvakaita segomarara zvinge zvichirapwa munyika.

Hama neshamwari dzakaunga panhamba 42 Rayamm Road, Eastlea, muHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Ruth Xaba