Pretty Xaba Otsvaga Mari Kuitira Kuti Anorapwa kuIndia

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Pretty Xaba

Mutambi ane mukurumbira munyika munyaya dzemitambo yemumaterevhizheni neparhedhiyo, Muzvare Pretty Xaba, uyo ane gomarara repahuro, anoti hurumende inofanirwa kusimbaradza mitemo inoremekedza mabasa ezvemitambo munyika kuitira kuti vanoita mabasa aya vabhadharwewo mari dzine musoro.

Kunyange hazvo munyika muine mutemo we Copyright Act uyo unochengetedza kodzero dzevatambi, vanyori pamwe nevaimbi, mutemo uyu unopa masimba ekuti vatambi, vanyori, pamwe nevaimbi vanyorerane zvibvumirano zvemari dzavanobhadharwa nemakambani anoshandisa mabasa avo.

Apa ndipo panonzi pane dambudziko guru sezvo makambani aya ari iwo anotara mari dzinobhadharwa vatambi, zvikuru kune avo vanenge vachiri kusimukira.

Xaba anoti mutemo weCopyright Act ukasimbaradzwa, zvinozoita kuti vatambi ava vasabatirirwe nemakambani zvinozoita kuti vave nehupenyu hwakanaka, uye munguva dzeurwere, vakwanise kuzvibatsira.

Xaba anoti kunyange hazvo akaita mabasa akawanda uye achionekwa pamaterevhizheni, ange asingabhadharwe zvine mutsindo izvo zviri kuita kuti asave nemari inodiwa kuti awane rubatsiro ku India.

Xaba ari kutsvaga mari inosvika zviuru gumi zvemadhora kuitira kuti akwanise kunovhiyiwa kuIndia sezvo vana chiremba vemunyika vari kuti havakwanise kumuvhiya nekuti pane gomarara rake panoda hunyanzvi hwepamusoro.

Vaimbi vane mukurumbira vazhinji vabatana pamutambo wekutsvaga mari yekubatsira Xaba neChipiri kuBook Café.

Mamwe masangano akaita seDandaro reMadzimai Anhasi riri kushanda nevanoita nezvemitambo vari kutungamirwa na Taonga Mafundikwa mukutsvaga mari yekubatsira Xaba kuti aende kunorapwa.

Sangana re Cancer Association of Zimbabwe rinoti gomarara remuromo wechibereko ndiro iri kunyanya kubata vanhukadzi zvichiyenzwaniswa nemamwe magomara munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Pretty Xaba