Zimbabwe Yobatana nePasi Rose Mukucherechedza Dambudziko reGomarara

Breast Cancer

Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva re Pink Day, iro rakanangana nechirwere negomarara.

Vachitaura pamusoro pezuva iri pamusangano waitwa muHarare neChishanu, nyanzvi munyaya dzechirwere chegomarara pamwe nevanorarama nechirwere ichi varatidza kunetsekana kukuru nekushaikwa kwemari yekurwisana nedambudziko iri.

Nyanzvi idzi dzinotiwo kuyamwisa vana imwe yenzira yekuderedza kubatwa negomarara repazamu.

Sangano reCancer Association Of Zimbabwe ndiro rakaronga hurongwa hwemuZimbabwe hwekucherechedza mwedzi wese dambudziko regomarara.

Maneja musangano iri, Amai Patience Nyemba, vanoti vanga vakaronga kuratidzira muguta reHarare asi izvi hazvina kuzobudirira sezvo vashaya mvumo yekuita izvi.

Amai Nyemba vanoti pane zvirongwa zvakawanda zvaitwa neChishanu pamuzinda wesangano ravo muHarare apo pange pane zvidzidzo zvakasiyana siyana zvine chekuita nekurwisana nechirwere chegomarara repazamu.

Amai Nyemba vanoti kunyange hazvo chirwere ichi chakanyanya kupararira kumadzimai, chiri kuwanikwawo muvanhurume.

Zvinonziwo munhurume mumwe chete pavanhurume chiuru, ane mukana wekubatwa nechirwere chegomarara.

Amai Nyemba vanokurudzira veruzhinji kuti vawane nguva yekuzvitarisa kuti havana chirwere ichi here uye vachinge vafungira kuti vanacho, vanofanirwa kuenda kuna vana chiremba nechimbi chimbi kuitira kuti vawane rubatsiro.

Amai Nyemba vanoti chirwere ichi chinokwanisa kurapwa kana chikabatwa pachiri nenguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Amai Patience Nyemba