Dare rinowona nezvekuti bumbiro remitemo yenyika riri kutevedzerwa here kana kuti kwete , kana kuti Constitutional Court, rakumbirwa kuti risendeke parutivi chikamu chemutemo unowona nezvekuroorana kwevanhu kuitira kuti vana vabvumidzwe kuroora kana kuroorwa vave nemakore gumi nemasere.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Mumapepa asvitswa kudare iri nevanasikana vaviri vakaroorwa vasati vasvitsa makore gumi nemasere vanoti Loveness Mudzuru na Ruvimbo Tsopodzwa anoti kuroorwa kwevannhu vasati vasvika makore gumi nemasere kunotyora bumbiro idzva remitemo yenyika.
Gweta riri kumirira Muzvare Mudzuru na Muzvare Tsopodzwa, Va Tendai Biti, vaudza dare kuti chikamu chemutemo unowona nezvekuroorwa kwevanhukadzi, we Marriages Act, chinoti mwana anenge asvika makore gumi nematanhatu ave munhu mukuru, chinotyora bumbiro idzva remitemo yenyika iro rinoti munhu anobvumirwa kutanga mhuri yake ave nemakore gumi nemasere.
Va Biti vaudza dare kuti kuroorwa kwevanasikana vasati vasvitsa makore gumi nemasere kunotyorawo mutemo unowona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevana we Child Protection Act.
Asi gweta riri kumirira gurukota rinowona nezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa, avo vanove zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Olivia Zvedi, vati hapana kodzero dziri kutyorwa sezvo vachiti bumbiro remitemo harisi kunyatsobuda pachena panyaya yekuroorwa.
Amai Zvedi vati bumbiro remitemo rinongotaura kuti munhu anogona kutanga mhuri yake ave nemakore gumi nemasere asi harina charinotaura panyaya yemakore anobvumidzwa kuti munhu aroorwe.
Zvichakadai, dare re Constitutional Court rati richazotura mutongo waro pazuva rarisina kutara.
Mutungamiri wesangano re Re-Opening Opportunities for Transformation Support, kana kuti Roots, Muzvare Beatrice Savadye, vanoti vakawona zvakakodzera kuti vasimudzire nyaya yaMuzvare Mudzuru na Muzvare Tsopodzwa nepamusana pekuti nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana vanoroorwa vachiri vadiki dziri kuramba dzichiwanda munyika.
Ongororo yakaitwa ne Zimstats inoti pane madzimai zvikamu makumi matatu nechimwe chete kubva muzana akaroorwa kana kutanga kugara nevarume asati asvitsa makore gumi nemasere kubva muna 2002 kusvika muna 2011.
Nekune rumwe rutivi, sangano re Unicef rinoti pazuva rega rega pane vanasikana vari pasi pamakore gumi nemasere vanosvika zviuru makumi maviri nezvishanu vari kuroorwa kana kutanga kugara nevarume pasi rose.