Highlanders Yotungamira Mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
highlanders
WASHINGTON —
Pamitambo ye Castle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi chikwata che Highlanders chakunda chikwata che Triangle United 1-0 zvaita kuti chitore nzvimbo yepamusoro mumakundano emukombe we Castle Lager Premier Soccer League.
Chikwata ichi chave nemapoinzi makumi mashanu neimwe, chichiteverwa ne Dynamos ne Harare City dzine mapoinzi makumimashanu.
Pane mimwe mitambo yatambwa neChitatu, Dynamos yaita mangange 1-1 ne Shabanie Mine, ukuwo Harare City yaita mangange 0-0 ne Motor Action.
Black Rhinos yakunda Caps United 3-2, ukuwo Chicken Inn ikakunda Tripple B 4-1.
FC Platinum yakunda Black Mambas 3-1, Hwange ikakunda Buffaloes 2-0.
Mumwe mutsigiri we Dynamos, Va Fabian Mahembe, vanoti chikwata chavo chinofanirwa kusunga dzisimbe pamitambo miviri yasara.
Murairidzi weTriangle United, Va Geshom Ntini, vanoti havasi kufara nemafambisirwo aitwa mutambo wavo neHighlanders neridzi wepembe.
Va Ntini vanoti chikwata chavo chapihwa ma red card matatu nema yellow cards matanhatu uye pakawedzerwa nguva yekutamba apo pazonwisa Highlanders chibodzwa chimwe.