Mumiriri weZimbabwe kuAustralia Otsvaga Hupoteri Munyika Iyi

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

For the first time, a NASA satellite has quantified in three dimensions how much dust makes the trans-Atlantic journey from the Sahara Desert to the Amazon rain forest. Among this dust is phosphorus, an essential nutrient that acts like a fertilizer, which the Amazon depends on in order to flourish. (Image Credit: NASA's Goddard Space Flight Center)

Mumiriri weZimbabwe mu Australia, Muzvare Jacqueline Zwambila, vanonzi vari kutsvaga hupoteri munyika iyi vachiti vari kutyira hupenyu hwavo kana vakadzokera kumusha panopera temu yavo kupera kwaZvita.

Muzvare Zwambila, avo vanova nhengo yeMDC-T, vakambotsviriridza mumapepanhau zvichitevera nyaya yekuti vakambobvisa mbatya dzavo vakasara vari musvo apo vaipopota vari pamuzinda weZimbabwe muAustralia.

Asi izvi zvakazonzi nematare edzimhosva zvaiva zvemanyepo zvainge zvaburitswa nemapepanhau.

Muzvare Zwambila vakadomwa semumiriri we Zimbabwe mu Australia munguva yehurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vanoti bato ravo rakatambira gwaro kubva kuna Muzvare Zwambila vachiziviswa kuti vave kutora danho rekutsvaga hupoteri, nekuti hupenyu hwavo huri panguva yakaoma kana vakadzokera kumusha.

Asi mutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vanoti zvaitwa naMuzvare Zwambila zvinonyadzisa pasi rose sezvo munyika muine runyararo.

Va Gumbo vanoti hurumende haina daka na Muzvare Zwambila sezvo vari mushandi wehurumende uyo ane kodzero yekudzoka kumusha paanodira asinga tyire hupenyu hwake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Douglas Mwonzora


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Rugare Gumbo