Dunhu reOregon Nderimwe reMatunhu Aparadzwa neMoto kuMawirira eAmerica

  • Jonga Kandemiiri

APTOPIX California Wildfires

Vanhu vanodarika makumi maviri vanonzi vaurayiwa nemoto waparadza masango mudunhu reOregon riri kumawirira kweAmerica. Moto uyu unonzi wasiyawo zviuru nezviuru zvevamwe vanhu vamanikidzwa kutiza misha yavo, iyo iri kusara ichiparadzwa nemoto uyu.

Mamwe matunhu ari kumawirira kweAmerica anoti Washington State neCalifornia ari mudambudziko remoto wesango uyu, uko vanhu vane chitsama vaurayiwawo vakawanda vachitizawo misha yavo.

Moto uyu unonzi wave nemazuva vanodzimura moto vachinetseka kumisa kupararira kwawo.

Vashandi vanodzimura moto vanodarika zviuru makumi matatu vanonzi vari mubishi kuedza kudzimura moto uri kuparadza mzvimbo dzakawanda kumawirira uyu.

MuOregon moto uyu unonzi wapisa maeka anodarika miriyoni imwechete.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reEugene mudunhu reOregon, uye ari muimbi ane mukurumbira, Doctor Thomas Tafirenyika Mukanya Mapfumo, vanoti kunyange hazvo ivo vari kure nekune moto uyu, guta ravo rakavharirwa neutsi hutema huri kuita kuti vasaone zuva kwemazuva.

Doctor Mapfumo vanoti nekuda kwehutsi uhwu, vari kutogara vakazvivharira mudzimba, zvikuru munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi munze zvehutano dzinonzi dziri kukurudzirawo veruzhinji kuti vasafema hutsi uhwu dzichiti hunogona kuwedzera dambudziko rechirwere cheCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Thomas Mapfumo