Dare Rinomisa Bazi reU.S. Postal Service Kuita Shanduko Dzinokanganisa Mafambiro eMatsamba

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru weU.S. Postal Service VaLouis DeJoy

Mutongi wedare repamusoro reAmerica neChina akatara mutongo unomborambidza boka rinoona nezvekufambiswa kwetsamba muAmerica, reUnited States Postal Service kuisa shanduko dziri kunzi nematunhu inokanganisa kufambiswa kwetsamba nenguva.

Mutongi vedare renyika yose, Judge Stanley Bastian vachitonga vari kuYekima kudunhu reWashington, vakati vachapa mutongo uchabata nyika yose panyaya yakakwidzwa nematunhu gumi nemana achipikisana nemutungamiri wenyika VaDonald Trump, mukuru webazi rematsamba, VaLouis DeJoy, pamwe nebazi rematsamba reU.S. Postal Service pamusoro pedanho rakatorwa muna Chikunguru rekushandura mashandiro ebazi iri.

Vachitura mutongo wavo, Judge Bastian vakati matunhu aya aratidza pachena kuti vari kupomerwa mhosva vane chekuita chine zvematongerwo enyika mukuda kukanganisa kufambiswa kwematsamba kwakanaka, zvinogona kukanganisa kufambiswa kwetsamba dzekuvhota musarudzo dza 2020 mumatunhu aya.

Matunhu aya anonzi aida kuti U.S. Postal Service imanikidzwe kusiya danho rayo rekuti kana dai motokari dzisina chadzakatakura dzisiye mamamwe matsamba kana nguva yadzo yekusimuka yasvika, uyewo kuti bazi iri ridzosere imichina yose yarakanga rabvisa.

Chizvarwa cheZimbabwe VaTim Muringai vari mudunhu reOhio vanoti mutongo uyu wakanaka sezvo uchiratidza kuti munyika mune hutongo hwejekerere.

Vati kunyange hazvo vawanikwa vaine mhosva ava vachikwanisa kupikisa mutongo uyu, matare emuAmerica anoshanda nemazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTim Muringai