Vakasarudzwa Kuve Mutungamiri weAmerica, VaBiden, Vokurudzira Kupfekwa kweMamasiki

  • Jonga Kandemiiri

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vakabvira kare vachikurudzira vanhu kuti vapfeke zvinovhara miromo nemhino kudzivirira coronavirus.

Vakasarudzwa kuve mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemusi weChina vakazivisa kuti vachakumbira vanhu vemuAmerica kuti vazvipire kupfeka zvinovhara miromo nemhino kana kuti ma mask, kwemazuva zana sechimwe chezvinhu zvavachaita semutungamiri wenyika.

VaBiden vakangosiya padiki kuti vadzike danho iri semutemo sezvavaimboshuvira senzira yekudzivirira kupararira kwe coronavirus.

Chiitiko ichi chinotara musiyano mukuru kubva kune mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, avo vaisavimba nekupfekwa kwema mask, izvo zvakaunza kusawirirana mune zvematongerwo enyika.

Kurudziro yaVaBiden yekupfeka ma mask yakaitawo kuti vanhu vakawanda vatevere danho iri, iro rinonzi nenyanzvi dzezvehutano ndeimwe yenzira iri nyore yekurwisana nedenda iri, iro rauraya vanhu vemuAmerica vanodarika mazana maviri ezviuru zvine makumi manomwe nezvishanu kana kuti 275 000 muAmerica chete.

Vakasrudzwa kuve mutungamiri wenyika ava vagara vari kukurudzira kupfekwa kwemamasiki vachiti ichi chiratidzo chekuti munhu anoda nyika yake uye munguva yavaitsvaga rutsigiro, VaBiden vakatomboisa pfungwa yekuti pave nemutemo unomanikidza kupfekwa kwemamasiki nyika yose, izvo zvavakazoti pashure hazvigone kumanikidzwa nemutungamiri wenyika..

Vachitaura nemutori wenhau wenhepfenyuro yeCNN, Jack Tapper, VaBiden vakati vachaisa chikumbiro ichi kuzvizvarwa zveAmerica pavachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.

Panyaya yenhomba yekudzivirira coronavirus, VaBiden vakapa zvavo matendo kuhurumende yaVaTrump nekukasika kuti pawanikwe mushonga asi vakati hurongwa hwekugoverwa kwenhomba iyi hwakakosha zvikuru.

Rimwe dambudziko rinogona kusangana nehurumende yaVaBiden nderekupa chivimbo muvanhu kuti vatambire nhomba iyi.

VaBiden vakati vangafara chose kubayiwa nhomba iyi paruzhinji kuitira kubvisa kusagutsikana kungadai kuripo nekushanda kwemushonga uyu, uye zvaungaita kuhutano.

Vaimbove vatungamiri venyika vatatu vanoti VaBarack Obama, VaGoerge W. Bush naVaBill Clinton, vakati vachabayiwawo nhomba iyi paruzhinji kuti varatidze kuti haina njodzi.