Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzotanga kudyidzana zvekare neZimbabwe kunyange hazvo hurumende yaVaBarack Obama iri kutumira nhumwa dzayo kuZimbabwe dzichinoona mamiriro ezvinhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu
Komiti yedare reparamende yeCongress inoona nezveAfrica iri kusanganawo svondo rinouya kuti izeye kudyidzana kweZimbabwe neAmerica.
Mutevedzeri wemunyori weAmerica anoona nezve Africa, Doctor Shannon Smith, vanoti hurumende yeAmerica haisi kuzotanga kudyidzana neZimbabwe sezvo pasina chachinja panyaya yekuremekwedzwa kwekodzero dzevanhu.
Doctor Smith vanotiwo vari kushushikana zvikuru nekushaika kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa muna Kurume.
Vanoongorora nyaya dzezvematongwero enyika, Muzvare Gladys Hlatshwayo, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro muAmerica, vanoti havasi kushamisika nedanho reAmerica. Muzvare Hlatshwayo vanotiwo nyaya yekupambwa kawaVaDzamara iri kuvanetsa zvikuru.
Asi vaimbova gurukota uye vari nhengo yeZanu PF politiburo, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti havasi kushamisika nedanho ratorwa neAmerica.
Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti Zimbabwe yakundikana kugadzirisa nyaya dzekodzero dezevanhu, nekudaro havashamisike nezviri kuitwa neAmerica uye vanozvitsigira.
Gweta uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti Zimbabwe inofanira kunzwa zviri kutaurwa nezvizvarwa zvenyika, izvo zviri kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Vachapa humbowo kukomiti yedare reCongress inoona nrzveAfrica vanosanganisira Doctor Smith, vaimbove murimi wechichena vasati vatorerwa munda uye vave kutungamira sangano reMike Campbell Foundation, VaBen Freeth, pamwe nevanoronga mabasa musangano re The Solidarity Center, Muzvare Imani Countess.
Vaive mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, vakatemera vakuru vehurumende yaVaRobert Mugabe zvirango muna 2003 vachipomerwamhosva yekutonga nedemo.
Pakapinda VaObama muhofisi muna 2009, vakaramba vachitsigira kuenderera mberi kwezvirango izvi, vachiti zvichabviswa chete kana hurumende yaVaMugabe yava kuita zvinhu zvinoremekedza kodzero dzemunhu wose.