Vaimbikadzi Vobatana Mukuremekedza Kodzero dzeMadzimai

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Selmor Mtukudzi mumwe wevaimbi vange vari pamutambo unonzi Pangu Pangu.

Apo pasi rose riri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana, vaimbi vechidzimai vashanu vachange vachiimba pamutambo unozivikanwa nerekuti Pangu Pangu ku German Society muHarare neChipiri manheru.

Mumwe weavo vakaronga mutambo uyu, Muzvare Rudo Chigudu, vanoti zvakakosha kuti madzimai awane nguva yekupemberera hudzimai hwavo zvisineyi nekuti vanoita mabasa api.

Vaimbi vachange vachiridza vanosanganisira Selmor Mtukudzi, Tariro Negitare, Cindy Munyavi, Kessia Magosha, na Rumbi Wengoma.

"Isu tirikufarira zvirongwa zvakadayi sezvo zvichitibatsira kupembera munhukadzi wese wese zvisineyi kuti abva kumba kwaani," Muzvare Chigudu vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Rudo Chigudu