WASHINGTON —
Hurumende inoti haisi kuzodzokera shure padanho rayo rekuti dzinhepfenyuro dzose dziri munyika dzikosheshe mimhanzi pamwe nemitambo yepaterevhizheni inoitwa nezvizvarwa zvenyika.
Hurumende inoti mimhanzi pamwe nemitambo yemuZimbabwe inofanirwa kupihwa mukana une zvikamu makumi manomwe nezvishanu, kuitira kuti zvinoitwa nevanhu munyika zvisimudzirwe.
Mutevedzeri wegurokota rinowona nezvekufambiswa kwemashoko, Va Supa Mandiwanzira, vanoti hurumende iri kukurudzira nhepfenhuro dzese dzemunyika kuti dzicherechedze chisungo chebazi ravo.
VaMandiwanzira vanoti kunyange hazvo mutemo uyu wagara uripo, hurumende ichaita zvese zvainogona kuitira kuti ione uchitevedzerwa. VaMandiwanzira, avo vanova zvakare muridzi wenhepfenyuro yeZiFM, vanoti vachawanikwa vasingatevedzere mutemo uyu vachatorerwa matanho anokodzera.
Aka hakasi kekutanga izvi zvichiitika. Pakagadzwa VaJonathan Moyo segurukota rezvekuburitswa kwemashoko muna 2000, vakabva vadzika mutemo uyu. Kudzoka kwavaita segurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaMoyo vabva vatanga nekumutsiridza nyaya yavakatanga kare kuti irambe ichitevedzerwa nenhepfenyuro dzose dzemunyika.
Vamwe vanoita mabasa ekuyimba vanoti danho ratorwa nehurumende iri richabatsira zvikuru mukusimudzira nziyo nemitambo yemunyika.
Mumwe muimbi, Tariro Negitare, anoti zvakakosha kuti mimhanzi yezvizvarwa zvenyika ipihwe mukana wekunzwikwa mudzinhepfenyuro dzemunyika.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVa Supa Mandiwanzira
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro na Tariro Negitare