Sangano reWorld Food Programme Roita Zvirongwa Zveku Batsira Vanhu neChikafu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

WFP - Chinhoyi

Sangano reWorld Food Programme kana kuti WFP rinoti riri kushanda nehurumende nemasangano akazvimikrira oga kuti ribatsire vanhu vemuZimbabwe vave kunonga svosve nemuromo nekushaya chekudya.

Mashoko ayo anotevera gwaro reZimbabwe Vulnerability Assessment kana kuti ZIMVAC richikokerwa neFood Nutrition Council rinoratidza kuti nzara yapfunya chisero munyika uye vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,4 million vanoda rubatsiro rwechikafu mumaguta.

Mutauriri weWFP VaTomson Phiri, vanoti nzara iyi iri kwese kumaguta nekumamisha.

"Dambudziko renzara riri kutarisana nevazhinji vakambonzi vagarewo mudzimba kekuda kudzivirira chirwere cheCovid-19."

Vanoenderera mberi vachiti, " Vazhinji vakange vasingakwanise kuenda kunoita mabasa ekutengesa mumigwagwa."

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu nevanopikisa anoti dzimwe nguva vanopa chikafu vanotarisa kuti wabuda mumba maani.

VaPhiri vanoti sangano ravo rinoshanda zvakanaka nehurumende nemamwe masangano uye nyaya yekuti pane zvematongerwo enyika zvinopindira panyaya yechikafu havasi kusangano nazvo mumabasa uye izvi zvikaitika vanokwanisa kugadzirisa nyaya iyi pasina dambudziko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTomson Phiri