Dr Monolisa Muchatuta Vanobaiwa Nhomba yeCovid-19

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Dr. Monalisa Muchatuta - The State University of New York (SUNY)

Mumwe chiremba anoshandira muNew York, Dr Monalisa Muchatuta, vanove chizvarwa cheZimbabwe vanogara muAmerica vanoti vari kufara kuve mumwe wevanhu vekutanga kubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 sezvo vakamborwara nechirwere ichi.

Dr Muchatuta vanoti zvakakosha kuti vanhu vawane ruzivo rwenhomba iyi vasati vaibaiwa.

Dr. Monalisa Muchatuta - The State University of New York (SUNY)

"Vanhu vazhinji varikuwana dzidziso yenhomba iyi padandemutande, kana mawhatsapp message vasinga zive kuti zvirikutaurwa izvi zvinokwanisa kunge zvisiri kubva kunyanzvi dzehutano. Zvakakosha kuti veruzhinji vataure navana chiremba vavo uye nhomba iyi haimanikidzwe kuti munhu abaiwe asi mushure meruzivo rwandava narwo ndinokurudzira vanokwanisa kubaiwa kuti vabaiwe senzira yekuzvidzivirira, vadaro Dr Muchatuta.

America yakatanga kubaya nhomba iyi kutanga nevanhu vanoshanda muzvipatara.

"Ini ndiri kufara sezvo ndichishanda neveruzhinji uye ndakambo batwa neCovid-19, nhamba iyi ichandibatsira kuti ndisabatire denda iri zvakare uye kuti ndisariparadzire kunevamwe vanenge vauya kuzorapwa. New York yanga ine vanhu vazhinji vakabatwa nedenda iri vamwe vakashaya, ndakawona zvakawanda saka kuuya kwenhomba iyi ndinokutambira nemawoko maviri nemufaro," Dr Muchatuta vadaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Monalisa Muchatuta