Sangano reCancer Association Of Zimbabwe riri kukurudzira veruzhinji kuti vaende kunoongororwa kuti vane chirwere chegomarara here kana kuti kwete sezvo chirwere ichi chikaera chakomba zvinonetsa kuchirapa.
Mashoko aya ari kuuya apo sangano iri riri kuita gadziriro yekucherechedza zuva regomarara inoitwa musi wa 4 Kukadzi gore rega rega.
Mutungamiri wesangano iri amai Juniour Mavhu vaudza Studio7 kuti sangano ravo richabatana nebazi rezvehutano muchirongwa chekucheredza zuva iri chichaitirwa kwaMutare svondo rinouya.
"Tinokukurudzirai kuti veruzhinji vaende kunowongorwa magomarara akasiyana siyina kamwe pagore kuitira kuti kana vakabatwa vanawo vabva vawana rubatsiro nechimbi chimbi," amai Mavhu vakaudza Studio7.
Bazr reUnited Nations rinoona nezvehutano reWhorld Health Organization kana kuti WHO rinoti ongororo yakaitwa mugore ra 2012 inoratidza kuti chirwere chegomarara chakauraya vanhu vanodarika mamiriyoni masere kana kuti 8.2 million pasi rose. Dingidira remabiko egore rino rinoti, " Not Beyond Us".
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro NaAmai Junior Mavhu
ra