Vanhukadzi Vanorarama Nekuita Zvepabonde Vokurudzirwa Kuvhenekwa HIV

Zim Prostitutes

Sangano rinoshanda nemadzimai anorarama nekuita mabasa epabonde, commercial sex workers, re Centre For Sexual HIV/AIDS Research, rinoti riri mushishi mekushanda nemadzimai aya kuitira kuti azvidzivirire kubva kudambudziko re HIV/AIDS.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano iri, Muzvare Sibongile Mtetwa, vanoti sangano ravo, iro riri kushanda riri pasi pe National aAids Council of Zimbabwe, riri kushanda nemadzimai anodarika zviuru makumi maviri munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Muzvare Mtetwa vanoti huwandu hwemadzimai ari kurarama neHIV/AIDs vari muchirongwa chavo hwakati wandeyi sezvo vamwe varume vachiramba kushandisa zvipfeko zvekudzivirira kupararira kweHIV.

Muzvare Mtetwa vanoti vane zvirongwa zvakawanda zvavari kuita munyika uye vanoshanda nevamwewo madzimai anoita mabasa epabonde vanozivikanwa nekuti Peer Leaders kuti vafambise basa ravo nemazvo.

Muzvare Mtetwa vanoti madzimai aya anotarisana nematambudziko akasiyana siyana anosanganisira kubhinywa kana kushungurudzwa nevamwe varume vavanenge vachisangana navo.

Asi vanoti hazvisi nyore kuti vaende kunomhangara nyaya idzi kumapurisa sezvo basa ravo richiitwa zvisiri pamutemo.

Muzvare Mtetwa vanoti kunyange hazvo mamwe madzimai asina kusununguka kuenda kunzvimbo dzine makiriniki avo, vazhinji havachanyanya kutya sezvo vava kuwana rubatsiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Sibongile Mtetwa