Muzvare Amanda Lieto Votarisira Kukunda muMakwikwi aVana Muzvinabhinesi veChidiki
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
WASHINGTON —
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaita rombo rakanaka rekuwana mukana wekupinda mumakwikwi e Global Students Enterprenuer Awards ari kuitirwa mu Washington muAmerica.
Muzvare Amanda Lieto vari mumakwikwi aya, ayo akarongwa ne International Enterprenuer’s Organisation, iyo inosimudzira zvemabhizinesi anoitwa nevechidiki pasi rose.
Muzvare Lieto vachange vakamirira Zimbabwe pamakwikwi aya, ayo ane vana muzvinabhizinesi vechidiki makumi mana nevaviri vanobva munyika dzakasiyana siyana.