Muchinguri: Vanobhinya Madzimai Ngavaomeserwe neMitemo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

د

Hurumende inoti munyika munufanirwa kuva nemitemo inoomesera vose vanobata chibharo vanasikana nemadzimai.

Mashoko aya ataurwa negurukota rezvemadzimai, Muzvare Oppah Muchinguri, mukuparura kwavo zviri pamutemo chirongwa chemazuva gumi nematanhatu ekuchengetedzwa kwekodzero dzemadzamai pamwe nemhirizhonga inowira vanhukadzi pasi rose.

Muzvare muchinguri vataura mashoko aya pamusangano waitirwa muGweru neChitatu.

Mukuru werimwe remasangano anoshanda nevechidiki, re Tag A Life International Trust, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti vafara nekurudziro yekuti mitemo iomesere vanhu vanenge vabata madzimai chibaro.

Muzvare Mashayamombe vanoti izvi zvingangobatsira mukudzikisa huwandu hwevanhu vanobata chibaro madzimai.

Mumwe musikana anodzidza pa Tongogara High School kuZvishavane, Makanaka Museve, anoti afara nevimbiso yekuwomeswa kwemitemo kwakurudzirwa naMuzvare Muchinguri pamusangano waitirwa muGweru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Nyaradzo Mashayamombe


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Makanaka Museve