Vanhurume Vokurudzirwawo Kuvhenekwa Chirwere cheGomarara

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Breast Cancer

Sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti kunyange hazvo mari dziri kubhadhariswa vanorwara nechirwere chegomarara dzakati wandeyi, hurumende ine chirongwa chekubatsira vanoshaya pasi pebazi rinoona nezve magariro akanaka evanhu munyika.

Mazvikokota wechirwere ichi musangano reCancer Association Of Zimbabwe, Amai Patience Nyemba, vanoti veruzhinji vanofanirwa kugara vachivhenekwa kuzvipatara kuitira kuti kana vane gomarara, ritange kurapwa pachine nguva.

Amai Nyemba vanoti gomarara riri kunyanya kunesta mumadzimai pari zvino ndere muchibereko neremumazamhu.

Vanoti vanhurume vabva zera vari kusanganawo nedambudziko regomarara repasikarudzi riri kubata vanhurume vane makore anodarika makumi mashanu.

Amai Nyemba vanoti gomarara iri rinonetsa kutaura nezvaro asi rinokwanisa kubatsirika kana rikabatwa pachine nguva.

Amai Nyemba vanoti hazvisi nyore kuti vanhurume kutaura zvakasununguka pamusoro pechirwere ichi asi vanokurudzira avo vanenge vachigara nevanofungidzirwa kuti vane chirwere ichi kuti vaende kuchipatara pachiri nenguva kuita kuti vawane rubatsiro nekukurumidza.

Amai Nyemba vanoti sangano ravo rinopa zvidzidzo zvezvirwere zvegomarara kune veruzhinji uye shuwiro yavo ndeyekuti vanhu vaende kunoongororwa ropa kuitira kuti vawane rubustatsiro kana vachinge vaine zvirwere zvinenge zvichida kurapwa zvisati zvakora.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Patience Nyemba