Mutauriri wemhuri yekwaChavunduka, Va Chris Mbanga, vanoti VaChavunduka vaendeswa kuchipatara neChishanu uko vazoshayira.
VaChavunduka, avo vanga vari mutungamiri wesangano reZimbabwe National Traditional Healers’ Association, vakaita mutungamiri mutema wechipiri we University of Zimbabwe kubva muna 1992 kusvika muna 1996, vachitora basa rakasiyiwa naProfessor Walter Kamba, avo vakava munhu mutema wekutanga kutungamira chikoro chikuru chenyika.
VaChavunduka vakasiya basa rekuva mukuru weUniversity of Zimbabwe vachinyunyuta kuti vezvematongerwo enyika vakanga vovhiringa maitiro avo basa.