Mapurisa anonzi arova zvakaipisisa vanhu vanga vachiratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare izvo zvaita kuti vaendeswe kuzvipatara kunorapwa.
Varohwa ava vanosanganisira mutori wenhau, Itai Dzamara, uyo akatanga kuratidzira ari muAfrica Unity Square senzira yekukurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasiye basa achiti vari kutadza kutonga zvakanaka.
Mumwe arohwa igweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKennedy Masiye, avo vanonzi vatyoka ruoko muchiitiko ichi.
Dzamara nevamwe vake vanokwana gumi vanga vachiratidzira murunyararo vakagara pasi apo mapurisa akawanda aenda kwavari ndokutanga kuvarakasha nemboma dzavo.
VaMasiye vanonzi vazorohwawo zvakanyanyisa pavaenda kunotaura nemapurisa vachida kubatsira Dzamara nevamwe vake.
Dzimwe nhengo mbiri dzechikwata chaDzamara dzinonzi dzarapwawo dzikaburitswa kuchipatara cheAvenues Clinic.
Dzamara anoti akuvara zvakaipisisa muviri wese uye afenda kaviri.
Dzamara, uyo anga ari pa drip ari pamubhedha muchipatara, anoti arohwa nemapurisa anosvika gumi nemashanu, uye arohwa muviri vose achiedza kuzvidzivirira kuti asakuvadzwa musoro.
Kushungurudzwa kwevanhu nemapurisa kunonzi kuri kuramba kuchikwira pasina matanho ari kutorwa mukugadzirisa dambudziko iri.
Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rashoropodzawo zvikuru kuita kwemapurisa arova Dzamara nevamwe vake.
Mugwaro raraburitsa, sangano iri rati kushungurudzwa kwemunhu kunotyora kodzero dzake uye kunokanganisawo hutano hwake.
Svondo rino mapurisa matatu ekwaMurehwa akasungwa achipomerwa mhosva yekurova pamwe nekuuraya mutyairi wekombi, VaMugove Manonge, mushure mekunge varamba kupa mapurisa aya mari yechiokomuhomwe.
Mapurisa anonzi akazokandawo hutsi hunokachidza izvo zvakazoita kuti vanhu vakuvare mukuratidzira kwakazotevera kupondwa kwaVaManonge muMarondera.
Vamwe vanonzi vanooneswa chitsvuku nemapurisa inhengo dzemapato anopikisa akaita seMDC, idzo dzinonzi dzinoshungurudzwa zvakanyanya.
Asi mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Association, ZIMRIGHTS, VaOkay Machisa, vanoti mapurisa anoshungurudza vanhu achitarisa kuti abuda mumba maani, sezvo veZanu PF vari kuita zvemhirizhonga kana kurwisana vasina zvavari kuitwa.
VaMachisa vanotiwo kunonoka kuvandudzwa kwemitemo kuti ifambidzane nebumbiro remitemo idzva chimwe chezvinhu zviri kuita kuti mapurisa arambe achiita madiro aJojina.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanhu vanoratidzira vanofanirwawo kutevera mitemo yenyika yakaita sekutanga akumbira mvumo kumapurisa.
Vanotiwo mapusira anosungirwawo kuchengetedzawo kodzero dzevamwe vanenge vasineyi nekuratidzira kunenge kuchiitika, uye kuchengetedza zvivakwa nemidziyo.
VaChirumhanzu vanotiwo nyika dzese pasi rino mapurisa haaregerere vanhu vachiita zvavanoda uye kuti haafanirwe kukumbira kusunga munhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaOkay Machisa Pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naIta Dzamara