Ziimbabwe, Mozambique neMalawi Dzinoda Mabhiriyoni Mana Zvichitevera Cyclone Idai

  • Blessing Zulu

Cyclone Idai

Zimbabwe nedzimwe nyika dzakawirwa nedambudziko remafashamu emvura nedutumupengo remhepo kana kuti Cyclone Idai dzinonzi dziri kuda mari inosvika mabhiriyoni mana kugadzirisa zvakaparadzwa.

Mashoko aya aburitswa nesangano reeconomic commission for africa. Pamzri iyi, zimbabwe inoda mari inosvika mamiriyoni mazana matatu.

Kunze kwematambudziko akakonzerwa nedutumupengo iri, zimbabwe yagarawo yanga yasangana nedambudziko rekushomeka kwechikafu. Kumaruwa vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vakatarisana nenzara inotyisa.

Asi kekutanga munhoroondo yenyika, masangano ekunze ave kubatsirawo vanhu mumadhorobha. Gurukota rezvevashandi nemagariro akanaka evanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti vatotanga kubatsira vanhu nechikafu muHarare neBulawayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Sekai Nzenza