VeChidiki veZanu PF vanodarika zana vaungana muswere wese wezuva pamuzinda webato ravo muManicaland neMuvhuro vachiti havasi kuzosiya hutungamiri hwebato ravo huchibviswa pachigaro nevanhu vanonzi vari kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, mumakakatanwa emasimba muZanu PF.
Vatsigiri ava vaswera maMutare vagere murunyararo pamuzinda uyu mapurisa ane chitsama achiona zvange zvichiitika.
Vechidiki veZanu PF ava vanoti vakanzwa nerunyerekupe kuti pane vamwe vatsigiri vabato ravo vachauya kwaMutare vachibva kumamwe matunhu kuzoratidzira vachida kuti sachigaro wavo, VaJohn Mvundura, pamwe nehutungamiriri hweZanu PF mudunhu iri, vasiye zvigaro zvavo.
Svondo rapera hurongwa hwekuda kudzinga VaMvundura nevamwe vavo hwakakundikana mushure mekunge paita mhirizhonga paMarymount Teachers’ College.
VaMvundura pamwe chete nehutungamiri hwedunhu reManicaland vanonzi vanotsigira chimwe chikwata chemuZanu PF chinotungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye weZanu PF, Amai Joice Mujuru.
Vari kuda kubvisa VaMvundura nevamwe vavo vanonziwo vari kutsigira VaMnangagwa.
Vechidiki ava vanoti havasi kuzorega hutungamiriri hwavo huchikanganiswa nevamwe vanoda kupatsanura bato reZanu PF nekuda kwekutevera tupoka tusina maturo.
VaMichael Tembenuka mumwe wevatsigiri veZanu PF vange vari pamuzinda webato iri ravo. VaTembenuka vanoti vechidiki vauya pamuzinda kuzodzivirira murunyararo zvange zvakarongwa nevamwe vavo vavanoti vari kushandiswa nevanobva kumatunhu asiri muManicaland.
Mumwe wechidiki ange ari pamuzinda webato iri, Migel Tembenuka, anoti ari kushushikana zvikuru nekupatsanuka kwebato nekuda kwekudzingwa kuri kuitwa vamwe vatungamiriri vebato iri.
Edward Chatora uyo awuyawo kumuzinda webato rake anoti zvinomurwadza kuti vamwe vechidiki vakaita saye vari kushandiswa mukumanikidza vamwe kuti vade hutungamiriri hwemamwe mapoka emubato iri. Chatora anoti haasi kuzoshandiswa kuti aite zvisiri zvido zvake.
Muzvare Esther Magara vanoti vechidiki vakanyeurirwa kuti pane vanhu vaida kuda kubvisa VaMvundura, izvo zvapa kuti vauye nehuwandu hwavo kuzodzivirira izvi.
Mumwe mukomana wechidiki weZanu PF kuManicaland, Peter Chawana, anoti chinangwa chavo hachisi chekuratidzira kune mutungamiriri webato iri, VaRobert Mugabe, asi kune vamwe vemubato iri vari kuda kukanganisa hutungamiriri hwematunhu evamwe.
Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMvundura maererano nechiitiko ichi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudavirwa.
Asi mukudoka kwezuva vechidiki ava vange vava kuparara vachidzokera kudzimba dzavo.
Chiitiko chekuno kuManicaland chinotevera ratidziro yakaitwa kuMidlands iyo inonzi yakabvisa sachigaro weko, VaJason Machaya, neimwe yaitwa neMuvhuro kuMashonaland East, uko kunonzi sachigaro weko zvakare, VaRay Kaukonde, nehutungamiriri hwavo hwedunhu, vabviswa zvichitevera ratidziro yevatsigiri vechimwe chipoka chinovapikisa muZanu PF.
Dare repamusoro muZanu PF richazeya kuti rotambira here kana kuti kwete kumbomiswa kwevanhu ava nematunhu avo.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Loirdham Moyo