HARARE —
Hurumende ye America yaparura neChina zvirongwa zvitatu zvinobata nyaya dzekudzidziswa kwevanhu vanoshanda munezve chirwere cheshuramatongo, kudzivirirwa kwechirwere ichi, pamwe nekuchecheudzwa kwevanhurume kuitira kuti vadzikise mikana yekubatwa ne HIV/AIDS.
Hurumende yeAmerica, kubudikidza nehomwe yemutungamiri wenyika iyi ye President’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR, yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matatu emadhora pamwe nemotokari makumi maviri neimwe chete dzichishandiswa mukuita zvirongwa izvi.
Zvirongwa izvi zvichaitwa mumatunhu ose munyika kwemakore mashanu nemasangano anoti International Training and Education Center for Heath (i-Tech), pamwe nesangano re Zimbabwe Association of Church-Related Hospitals (ZACH) vachiphwa hunyanzvi hwekuita izvi neCentre for Disease Control and Prevention kana kuti CDC riri pasi pehurumende ye America.
Vachitaura pakuparurwa kwezvirongwa izvi, mumiriri we America muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vati America yakazvipira kuramba ichishanda pamwe chete nehurumende ye Zimbabwe kusvikira pasisina munhu ave kubatwa nechirwere cheshuramatongo munyika.
Zvichitevera kupihwa kwakaita Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemashanu emadhora nehurumende yeAmerica gore rino ichashandiswa mukurwisana nechirwere cheshuramatongo, Va Wharton vati hurumende yavo iri pakati penhaurirano nehurumende yemuno kuti Zimbabwe ipihwe imwe mari yakadai zvakare ichazoshandiswa gore rinouya.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, Principal Investigator ve I-Tech uye vari sachigaro webazi re Global Health pa University of Washington mu America, Muzvinafundo King Holmes, vati nyanzvi dziri kushanda zvakasimba zvikuru mu America kuti pawanikwe mushonga unorapa chirwere cheshuramatongo.