Vakawanda Votadza Kushanyira Hama Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Mr Ugly

Mhuri dzakawanda dzinoti dziri kutadza kushanyira hama neshamwari pazororo rino re Easter nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzezveupfumi.

Mhuri dzataura neStudio7 dzinoti dzine chido chekushanyira hama neshamwari, asi zvinorema kuti vangoshanya vari maoko chete, sezvo vaunenge washanyira vachitarisirawo kuti uvaigire zvekudya kana zvekupfeka pazororo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi

Mukuru wesangano revanotengesa mumigwagwa, re Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti vatadza kushanyira hama dzavo kumusha kwavo ku Nemanwa, mudunhu reMasvingo.

VaWadzayi vanoti vambosvika kumusika weMbare masikati vakaona pakanyarara zvakanyanya zvichienzaniswa nemamwe makore panguva ino yezororo.

Vanotiwo kana muguta zvitoro zvizhinji zvanga zvakavhura riri basa semazuva ose.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vakawanda vari kuomerwa nehupenyu sezvo mari dzavanowana dzisingakwani pazvinhu zvavanoda kuita muhupenyu kuti vararame.

Dzimwe nyanzvi dzinoti kuoma kwezvinhu kuri kukonzerwa nehurumende iyo iri kutadza kukwezva vemabhizinesi ekunze kuti vadyare mari dzavo munyika.