VaMutsvangwa Vobatana neVamwe veANC Kupemberera Zuva Rekuwanna Kuzvitonga Kuzere kuSouth Africa

VaChris Mutsvangwa

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muSouth Africa, zvinosvika kana kupfura mazana maviri, nezuro zvakungana muguta reJohannesburug zvichi pemberera makore makumi mana nerimwe ekuzvitonga.

Vakange vari pamhemberero iyi, vaisanganisira nhengo yebato riri kutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, kana kuti ANC, Amai Lindiwe Zulu, mumiririri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi pamwe nemutevedzeri wavo Amai Melody Chaurura.

Vachitaura pamhemberero iyi, vakamirira mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Ambassador Christopher Mutsvangwa, vakakurudzira mhuri yeZimbabwe kuti ibatane uye ishanda pamwe kuitira kuti nyika ibudirire.

VaMutsvangwa, avo vanovewo nhengo yedare repamuso rePolitburo, muZanuPF, vakati mhuri yeZimbabwe, yave kugara mutambara kede pasi oehutongo hwavaMnangagwa.

Amai Zulu vakati vaive pamhemberero iyi nekuda kwekuti bato ravo reANC, nditsika nditsikewo ne bato reZanuPF.

Mutauriri weZanuPF mudunhu reJohannesburg, VaKennedy Mandaza, vakati vanoona zvakakodzera kupemberera zvido zvevarwi vehondo yerusununguko

VaMandaza vaka rumbidzawo VaMnangagwa nebasa ravaria kuita rekusimudzira nyika. Asi mutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance rino tungamirwa navaNelson Chamisa, VaInnocent Nsingo, vanoti uku kupemberera mvura yauya nemhemi.

Asi mumiririri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi vanoti hapana nyika isina matambudziko.

VaAndrew Nyathi, munyori mukuru musangano rePatriotic Front vanoti hapana chikonzero cheku pembera zuva iri sezvo mhuri yeZimbabwe isati yave nerusununguko.

VaNyathi, avo vaimbove murwi wehondo yerusununguko mubato reZipra, vaenderera mberi vachiti vanhu vakawanda vari kutambura nenzara vamwe vachirarama mukutya.

Mumwe muimbi, David Chimombe, anoti akafara kuimba pamhemberero iyi kunyange hazvo kwaive nevanhu vashoma nekuda kwechirwere cheCovid-19.

David, mwanakomana wemuimbi akaita mukurumbira muZimbabwe, mushakabvu James Chimombe. Akange achiimba nechikwata chake che Ocean City Band.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma